16tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.
17Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!
18Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.
19Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.
20Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.
21Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.