10asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
11Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.
12Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?