10Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
11Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.