16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.
18Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.